FOR IT IS WRITTEN IN THE BOOK
Toady's reading is from the Book of …………………………
chapter 3 from Verse 15 kusvika pa 16.
Tosimudzira pa vs15: .....Zvino mwanakomana wemunhu akanga agere
nevadzidzi vake mugomo reHavhesiti vakamubvunza vachiti, "Nhai Tenzi,
tingazive sei kuti tava kumagumo eutongi hwevadzvanyirir?"
Iye ndokuti, "Muchaona magetsi achienda kasingaperi, peturo
ichitengeswa muchihwande nemutengo uri pamusoro, vana vacharamba
kupihwa 2 million yekuendesa kuchikoro, uye makorokoza achamiswa
kukorokoza, vanhu vachirambidzwa kuungana kuti vanamate, mobva maziva
kuti ava mazuva ekuguma kwekutonga kwake. Upi neupi anoshingirira
kusvikira zuva iroro achaona shura nezviratidzo, uchi nemukaka
zvichaerera zvakare munyika ino iri kushungurudzwa."
pa Vs 16 .......... "Marara achaita makomo mumarukisheni uyezve
varedzi vachabata hove huru mumakomba emumigwagwa. Pfambi dzisina chadziinadzo
dzichaitwa maMayor pasina anobvumirwa kusumudza musoro.
Asina gejo kana sanhu achapiwa gombo guru kwazvo iro raachapedzisira
ava kutengesa huni, vachagoverana nyika ino sevakaisika, mitengo
yezvinhu ichakwira zuva nezuva.
Muzvikoro nemuzvipatara kuchasara madziro chete, vadzidzisi nanamukoti
vachapera kutizira kunyika dziri kure uko kwavachandogara zvavo
vachishanda sevaranda.
Chirwere chese chichava shuramatongo nekushaikwa kwemishonga, vanhu
vachadzokera chinyakare chekutikida pasi netsoka.
Naizvozvo ndinoti kwamuri musarasikirwe netariro henyu nokuti chine
manenji hachifambisi."
--
MDC Huddersfield Chairman
Milton Zonde